Zvibatsiro Zvekudzidza
Kupunzika kwaAdama naEva


Kupunzika kwaAdama naEva

Nzira yakaita kuti rudzi rwevanhu rwufe pano pasi. Apo Adama naEva vakadya muchero wairambidzwa, vakave vanofa, vakange vave pasi pechitadzo nokufa. Adama akave “nyama yekutanga” pamusoro penyika (Mos. 3:7). Zvakazururwa zvemazuva ekupedzisira zvinoisa pachena kuti Kupunzika maropafadzo nokuti Adama na Eva vanofanira kukudzwa sevabereki vekutanga verudzi rwevanhu.

Kupunzika chinhu chaifanira sedanho mukufambira mberi kwemunhu. Nokuti Mwari vaiziva kuti Kupunzika kwaizoitika, vakanga varonga upenyu hunoguma nerufu husati hwavepo kuti kuve neMuponesi. Jesu Kristu akauya pakati penguva kuti azodzikinurira kupunzika kwaAdama uye zvitadzo zvemunhu mumwe nemumwe zvichienda nokuti munhu atendeuka.