Zvibatsiro Zvekudzidza
Nyoka, Yesimbi


Nyoka, Yesimbi

Nyoka yesimbi yakagadzirwa naMosesi atumwa naMwari kuti irape vaIsraeri vakanga varumwa nenyoka dzaityisa (nyoka dzine uturu) murenje (Num. 21:8–9). Nyoka yesimbi iyi yakanga yakaiswa pazibango uye “ndokusimudzirwa mudenga kuti ani zvake anoitarisa ararame” (Aru. 33:19–22). Ishe vakataura nezvekusimudzwa kwenyoka murenje semufananidzo wake iye achisimudzwa pamuchinjikwa (Joh. 3:14–15). Zvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira zvinotsinhira nyaya yenyoka dzinotyisa nokuti vanhu vakarapwa sei (1 Ni. 17:41; 2 Ni. 25:20; Hir. 8:14–15).