Gadza, Mutemo weruGadzo Onawo Hurongwa hwemubatanidzwa; Umambo hwaMwari kana Umambo hweKudenga Kugadza, kuita mutsvene, kana kuve akarurama. Mutemo wekugadza musimboti mutsvene apo varume nevakadzi vanozvipa kuisa nguva yavo, zvipo, neupfumi hwavo hwenyika mukumisa nekuvaka Umambo hwaMwari. Zvipirei imi pachenyu nhasi kuna Ishe, Eks. 32:29. Vose avo vaitenda vaive nezvinhu pamwechete, Mabasa 2:44–45. Vaive nezvinhu zvose pamwechete pakati pavo; saka pakanga pasina vapfumi uye kana varombo, 4 Ni. 1:3. Ishe vakatsanangura misimboti yekuzvipira, D&Z 42:30–39 (D&Z 51:2–19; 58:35–36). Munhu mumwechete haafanire kuve nezvizhinji kupfuura mumwe, D&Z 49:20. Wose munhu akapiwa chidimbu chakaenzanirana maererano nemhuri yake, D&Z 51:3. Tsika yakamiswa kuti vatendi vaenzane muzvisungwa zvekudenga nezvepasi, D&Z 78:4–5. Wose munhu ainzi ave nekugambira kwakayenzana maererano nezvaanoda nezvaasina, D&Z 82:17–19. Zioni inovakwa chete nemurau wekubwinya kwepamusoro-soro, D&Z 105:5. Vanhu vaEnoki vaive nemwoyo mumwechete nepfungwa imwechete uye vachigara mukururama, uye hakuna murombo pakati pavo, Mos. 7:18.