Zvibatsiro Zvekudzidza
Hana


Hana

Kunzwa kwemukati-kati kwekuziva zvakanaka nezvakaipa, kunobva muchiedza chaKristu muvanhu vose (Moro. 7:16). Tinoberekwa tiine simba renyama rekupatsanura chanaka nechakaipa pamusana pechiedza chaKristu chinopiwa kumunhu wose (D&Z 84:46). Simba iri rinonzi hana. Kuve naro kunoita kuti tive vanhu vane hany’a. Semamwe masimba, hana dzedu dzinogona kuuraiwa kuburikidza nechitadzo kana kushandisa kusiri iko.