Zvibatsiro Zvekudzidza
Marsh, Thomas B.


Marsh, Thomas B.

Mutungamiri wekutanga weChikwata cheVaapositori vaneGumi neVaviri mushure mekudzorerwa pakare kweChechi muna 1830. Akabata kiyi dzeumambo zvaive zvakanangana nevaneGumi neVaviri (D&Z 112:16) uye, muna 1838, akaudzwa nekuzarurirwa kuti ashambadze shoko raIshe (D&Z 118:2). Chidimbu 31 cheDzidziso neZvibvumirano chakanangana naye. Marsh akabviswa muChechi muna 1839 asi akabhabhatidzwa zvakare muna 1857 mwedzi weChikunguru.