Zvibatsiro Zvekudzidza
Marko


Marko

MuTestamente Itsva, Johane Marko aive mwanakomana waMaria, aigara muJerusarema (Mabasa 12:12); aidaro aive munin’ina kana muzukuru waBarnabasi (VaKoro. 4:10). Akaenda naPauro naBarnabasi kubva Jerusarema parwendo rwavo rwekutanga kunoparidza, uye akavasiya paPerga (Mabasa 12:25; 13:5, 13). Pashure akaperekedza Barnabasi kuSaipurasi (Mabasa 15:37–39). Aive naPauro kuRoma (VaKoro. 4:10; Fir. 1:24); uye aive naPetro kuBabironi (zvimwe kuRoma) (Ⅰ Pet. 5:13). Pedzisire, aive naTimotio kuEfeso (Ⅱ Tim. 4:11).

Vhangeri raMarko

Bhuku rechipiri muTestamente Itsva. Zvingangodaro kuti vhangeri raMarko rakanyorwa pasi pehutungamiri hwaPetro. Chinangwa chake kutsanangura Ishe seMwanakomana waMwari agere achisanda pakati pevanhu. Marko anotsanangura, nesimba nekuzvininipisa, zvaisara zviri mune avo vaimira vachiona Jesu. Tsika inoti mushure mekufa kwaPetro, Marko akashanyira Egipita, akaronga Chechi muAreksandiria, uye akafira vhangeri.

Kuona kutsanangurwa kwezvitsauko, ona “Vhangeri”.