Zvibatsiro Zvekudzidza
Kuronga nenguva


Kuronga nenguva

Kurongwa nenguva kunotevera uku, kana zvinhu zvakaitika, hazvinyatsonzwisiswa uye zvakaitwa kuti zvingopa muverengi karuzivo kekutevedzana kwazvakaitika munguva dzeBhaibheri nemuBhuku raMormoni:

Zvakaitika mumazuva emadzibaba ekutanga: (Pamusana pekunetsa kwekunyatsoyereka nguva chaidzo dzakaitika zvinhu muchidimu chino, mazuva haapihwe.)

Kristu asati azvarwa

4000

Adama akapunzika.

Enoki akadzidzisa.

Noa akafundisa; pasi rakazara mvura.

Shongwe yeBaberi yakavakwa; MaJaredhi anoenda kuNyika yeChipikirwa.

Merkizedeki akadzidzisa

Noa akafa.

Abrama (Abrahama) akaberekwa.

Isaka anoberekwa.

Jakobo anoberekwa.

Josefa anoberekwa.

Josefa anotengeswa kuEgipita.

Josefa anoenda pamberi paFarao.

Jakobo (Israeri) nemhuri yake vanoenda kuEgipita.

Jakobo (Israeri) akafa.

Josefa akafa.

Mosesi anoberekwa.

Mosesi akatungamira vana vaIsraeri kubuda muEgipita (Kubva).

Mosesi akashandurwa.

Joshua akafa.

Mushure mekunge Joshua afa, nguva yevatongi yakatanga, mutongi wekutanga ari Otinieri wekupedzisira ari Samueri; kuteverana nemazuva evamwe haana chokwadi.

Sauro akazodzwa umambo.

Zvakaitika muMubatanidzwa weUmambo hwaIsraeri:

1095

Kutonga kwaSauro kunotanga.

1063

Davidi akazodzwa umambo naSamueri.

1055

Davidi akave mambo muHebroni.

1047

Davidi akave mambo muJerusarema; Natamu naGadi vakaporofita.

1015

Soromoni akave mambo weIsraeri yose.

991

Temberi yakapedzwa.

975

Soromoni akafa; marudzi gumi ekuchamhembe akamukira Rehoboami, mwanakomana wake, uye Israeri ikapatsanurwa.

Zviitiko zve Israeri:

Zviitiko zva Juda:

Zviitiko Munhoroondo yeBhuku raMormoni:

975

Jeroboami aive mambo waIsraeri.

949

Shishaki, mambo weEgipita, akaparadza Jerusarema.

875

Ahabi aitonga muSamaria kuchamhembe kweIsraeri; Erija akaporofita.

851

Erisha akashanda zvishamiso zvikuru.

792

Amosi akaporofita.

790

Jona naHosea vakaporofita.

740

Isaya akatanga kuporofita. (Roma yakatangwa; Nabonasa aive mambo weBabironi muna 747; Tigrati-pireseri III aive mambo weAsiria kubvira muna 747 kusvika 734.)

728

Hezekia aive mambo waJuda. (Sharmaneseri IV aive mambo weAsiria.)

721

Umambo hweKumaodzanyemba hwakaparadzwa; marudzi gumi aya akatorwa akaiswa muutapwa; Mika akaporofita.

642

Nahumi akaporofita.

628

Jeremia naZefanaya vakaporofita.

609

Obadia akaporofita; Danieri akatakurwa muhunhapwa kuBabironi. (Ninive yakapunzika muna 606; Nebukadnezari aive mambo kubvira muna 604 kusvika 561.)

600

Rihai akasiya Jerusarema

598

Ezekieri akaporofita muBabironi; Habakuki akaporofita; Zedekia aive mambo waJuda.

588

Mureki akabva muJerusarema kuenda kunyika yechipikirwa.

588

MaNifai vanozvitsaura kubva kumaRamani (pakati pa588 na570).

587

Nebukadnezari akatapa Jerusarema.

Zviitiko zverungano rwemaJuda:

Zviitiko zveNhoroondo yeBhuku raMormoni:

537

Koreshi anoisa murau kuti maJuda angadzokere kubva Babironi.

520

Hagai naZekaria vanoporofita.

486

Estere anorarama.

458

Ezra akanzi aiite zvekupindura zvinhu.

444

Nehemia akagadzwa ushe hweJuda.

432

Maraki akaporofita.

400

Jaromu akatambira mahwendefa.

360

Omuni akatambira mahwendefa.

332

Areksandro Anembiri akakurira Siria neEgipita.

323

Areksandro akafa.

277

Septuagint, kududzirwa kwemagwaro matsvene emaJuda muchiGiriki, kwakatangiswa.

167

Matatiasi muMakabi akamukira Siria.

166

Judasi Makabeusi akave mutungamiri wemaJuda.

165

Tembere yakacheneswa uye ndokupirwa zvakare; Hanuka yakavambwa.

161

Judasi Makabeusi akafa.

148

Abhinadhai akaurairwa shoko; Aruma akamisa Chechi zvakare mukati memaNifai.

124

Benjamini akapa nhauro yake yekupedzisira kumaNifai.

100

Aruma Mudiki nevanakomana vaMosaya vakatanga basa ravo.

91

Kutonga kwevatongi kwakatanga pakati pemaNifai.

63

Jerusarema rakakundwa naPompei uye kutonga kwemaMakabi kwakapera muIsraeri.

51

Kiropatira akatonga.

41

Herode naFasaeri vakaitwa kuti vatonge pamwechete Juda.

37

Herode akave mutungamiri muJerusarema.

31

Hondo yeAktio yakarwiwa; Augusto aive mambo weRoma kubvira muna 31 Kristu asati azvarwa kusvika muna 14 Kristu azvarwa.

30

Kiropatira akafa.

17

Herode akadzorera temberi.

6

Samueri muRamani akaporofita kuberekwa kwaKristu.

Zviitiko munhoroondo rwechiKristu:

Zviitiko zveNhoroondo yeBhuku raMormoni:

Kristu azvarwa

Kristu azvarwa

Kuberekwa kwaJesu Kristu

30

Kuparidza kwaKristu kwakatanga.

33

Kristu akaroverwa.

33 kana 34

Kristu akamuka kuvakafa akaonekwa muAmerica.

35

Pauro anotendeuka.

45

Pauro anotora rwendo rwake rwekutanga rwekuparidza.

58

Pauro akatumirwa kuRoma.

61

Rungano rweMabasa aVaapositori rwunovharwa.

62

Roma yakapiswa; MaKristu akatambudzwa pasi paNero.

70

MaKristu akaenda kuPera; Jerusarema yakakombwa ikatapwa.

95

MaKristu akatambudzwa naDomistieni.

385

Rudzi rwemaNifai rwakaparadzwa.

421

Moronai akaviga mahwendefa.

Dhinda