Zvibatsiro Zvekudzidza
Kurongwa kweMisoro yeNhaurwa Ichitevedza Kurongana kweMavara


Kurongwa kweMisoro yeNhaurwa Ichitevedza Kurongana kweMavara

Mashadisirwo. Nhungamiri kuMagwaro Matsvene kurongwa kwemisoro yenhaurwa dzevhangeri dzakarongana dzichitevedza kurongana kwemavara. Inopa tsananguro pfupi yemusoro wenhaurwa yega-yega uye ichipawo magwaro akanyanyokosha anenge anechekuita nemusoro wenhaurwa iyoyo. Chose chine chekuita nenhaurwa iyoyo, chinotungamirwa nekanhapwa-mukanwa kapfupi kana pfupiso yegwaro dzvene. Magwaro Matsvene ose anezvekuita nenhaurwa anowanikwa muhurongwa hunotevera: Testamende yaKare, Testamende Itsva, Bhuku raMormoni, Dzidziso neZivbvumirano, neDombo Remutengo Mukuru. Chiratidzo chinotevera chinotsanangura muenzaniso wechiiswa:

Mufananidzo
muenzaniso

Pasi

Nzvimbo yatinogara, yakasikwa naMwari kuburikidza naJesu Kristu kuti ishandiswe nemunhu munguva dzekuedzwa kwake ari wenyama. Magumo ayo kuti izove inekubwinyiswa nekukwidziridzwa (D&Z 77:1–2; 130:8–9). Pasi pachave nhaka yokusingaperi yeavo vakagara zvakakodzera kuti vave vekubwinya kweseresitiyaro (D&Z 88:14–26). Vachafadzwa vari pamberi paBaba neMwanakomana (D&Z 76:62).

Pakasikirwa munhu

Rima, reKunze

Chechi, Huru Uye Inonyangadza

Misoro yenhaurwa yakanyorwa nemavara makuru.

Pane tsananguro pfupi yemusoro wenhaurwa wega-wega.

Mimwe misoro yenhaurwa ine mimwe midiki. Iyi yakanyorwa nemavara akarereka.

Magwaro matsvene anopindirana ane maererano nenhaurwa akapihwa akakomberedzwa.

Dzimwe nguva zvaunenge uchida kuziva maererano neimwe nhaurwa zvinenge zvisina kuiswa pasi pemusoro wenhaurwa yaunenge watarisa. Izwi rakarereka ona rinokuratidza musoro wenhaurwa kwaunokwanisa kuwana zvaunoda kuziva.

Dzimwe nguva mimwe misoro yenhaurwa iri munhungamiri inetsananguro inopindirana nemusoro wenhaurwa yaurikudzidza nezvayo. Mazwi akarereka onawo anokuratidza misoro yenhaurwa iyi inopindirana.

Magwaro matsvene ane maererano nenhaurwa anokubatsira kunzwisisa tsananguro akakomberedzwa.

Gwaro dzvene rega-rega rine maererano nenhaurwa rinotanga nezvakatorwa kubva mugwaro dzvene zvipfupi kana pfupiso yegwaro dzvene.

Izwi rakarereka ona (kana onawo) richiteverwa nekamutsetse aka rinokuudza kuti zvaunoda kuziva zvinowanikwa muchiiswa chidiki (“Chechi yadhiabhorosi”) chemusoro wenhaurwa mukuru (“Dhiabhorosi”).