Zvibatsiro Zvekudzidza
Temberi, Imba yaIshe


Temberi, Imba yaIshe

Chaizvo-chaizvo imba yaMwari. Ishe nguva dzose vanotaurira vanhu vavo kuti vavake matemberi, dzimba tsvene umo munoti Vatendi vakakodzera vanoita mapira anoera nezvisungo zvevhangeri zvavo pachavo nezvevakafa. Ishe anoshanyira matemberi ake, uye ndidzo nzvimbo dzinoyeresesa kupfuura dzose dzekunamatira.

Tabernakeri yakamiswa naMosesi nevana vaIsraeri yaive temberi yaitakurika. MaIsraeri vakaisevenzesa pakubuda kwavo kubva muEgipita.

Temberi inonyatsozivikanwa iyo inotaurwa muBhaibheri ndeiyo yakavakwa naSoromoni muJerusarema (Ⅱ Mak. 2–5). Yakapunzwa mugore 600 Kristu asati azvarwa nemaBabironi ikavakwa pakare naZerubaberi kwatopera rinenge zana remakore (Ezra 1–6). Rumwe rutivi rwetemberi iyi rwakatsva muna 37 Kristu asati azvarwa, uye Mambo Herode akazoivaka zvakare. VaRoma vakaparadza temberi muna 70 Kristu azvarwa.

MuBhuku raMormoni, vateveri vakarurama vaMwari vaitungamirwa kuti vavake vagonamatira mumatemberi (2 Ni. 5:16; Mosaya 1:18; 3 Ni. 11:1). Kuvaka nekushandisa temberi nemazvo rupawo rweChechi rechokwadi mumukuvo upi zvawo, kusanganisa neChechi yakadzorerwa pakare mumazuva edu. Temberi yeKirkland ndiyo temberi yekutanga kuvakwa nokupirwa kunaIshe mumukuvo uno. Kubvira nguva iyoyo matemberi akapirwa munzvimbo zhinji pasi pose.