Zvibatsiro Zvekudzidza
Gadi, Mwanakomana waJakobo


Gadi, Mwanakomana waJakobo

MuTestamente yaKare, mwanakomana waJakobo naZirpa (Genesi 30:10–11). Zvizvarwa zvake zvakave rudzi rwaIsraeri.

Rudzi rwaGadi

Zve ropafadzo raJakobo kumwanakomana wake Gadi, tarisai Genesi 49:19. Zveropafadzo raMosesi kurudzi rwaGadi, tarisai Deuteronomio 33:20–21. Maererano nemaropafadzo aya, chizvarwa chaGadi chaizove rudzi rwaida zvehondo. Nyika dzavakapiwa munyika yeKanani dzaive nechekumabvazuva kwerwizi rweJordani uye dziine hufuro hwakanaka nemvura zhinji.