Zvibatsiro Zvekudzidza
Chibvumirano chaAbrahama


Chibvumirano chaAbrahama

Abrahama akagashira vhangeri akagadzwa kuhupirisita hwepamusoro (D&Z 84:14; Abr. 2:11), akapinda muroora tsvene, chinove ndicho chibvumirano chekusimudzirwa (D&Z 131:1–4; 132:19, 29). Abrahama akatambira vimbiso kuti ose maropafadzo ezvibvumirano izvi achapiwa kumhuri yake yenyama (D&Z 132:29–31; Abr. 2:6–11). Pamwechete, zvibvumirano izvi nezvivimbiso zvinodaidzwa kuti chibvumirano chaAbrahama. Kudzorerwa kwechibvumirano ichi ndiko kwakave kudzorerwa kwevhangeri mumazuva ekupedzisira, nokuti kuburikidza nacho ose marudzi epasi anoropafadzwa (VaG. 3:8–9, 29; D&Z 110:12; 124:58; Abr. 2:10–11).