Zvibatsiro Zvekudzidza
Mesia


Mesia

Izwi rinenge rechiArami nechiHeberu rinoreva kuti “akazodzwa.” MuTestamente Itsva Jesu anonzi Kristu, zvinopeva muchiGiriki kuti Mesia. Zvinoreva kuti Muporofita, Mupirisita, Mambo, neMuponesi akazodzwa kuuya kwake kuri kwakanga kwakatarisirwa kwazvo nemaJuda.

MaJuda mazhinji akanga achitsvaka kununurwa chete kubva musimba rekutonga kwemaRoma nekubudirira kukuru kwerudzi rwavo; naizvozvo, pakauya Mesia, vatungamiri nevamwe vazhinji vose vakamuramba. Avo chete vakanga vakazvininipisa vaine rutendo vakagona kuona muna Jesu weNazareta Kristu wechokwadi (Isa. 53. Mat. 16:16; Joh. 4:25–26).