Zvibatsiro Zvekudzidza
Chikoro cheMaporofita


Chikoro cheMaporofita

MuKirtland, Ohio (USA), nguva dzechando cha1832–1833, Ishe vakatuma Joseph Smith kuti aronge chikoro chebasa rekudzidzisa hama muzvinhu zvose nezvevhangeri neumambo hwaMwari. Kubva muchikoro umu kwakauya vazhinji vevatungamiri vekutanga veChechi. Chimwe chikoro chevaporofita kana magosa chaitungamirwa naParley P. Pratt muRuwa rweJackson, Missouri (D&Z 97:1–6). Zvikoro zvakadaro zvakaitwa Vatendi vachangotamira kuMadokero; asika, nechinguvana zvakanga zvaregerwa. Kudzidzisa vhangeri nhasi uno kunoitirwa mumba, muzvikwata zvevapirisita, nemumagungano akasiyana-siyana, nemuzvikoro zveChechi nemaseminari nevabvazero.