Upenyu hwenyama husati hwavepo Onawo Dare rekuDenga; Hondo kuDenga; Mavambo; Munhu Upenyu husati hwave nehwepano pasi. Vose varume nevakadzi vaigara naMwari sevana vavo vemweya vasati vauya pano pasi sevanhu vanofa. Izvi dzimwe nguva zvinodaidzwa kuti chinzvimbo chekutanga (Abr. 3:26). Mwari pavakaisa hwaro hwenyika, vose vanakomana vaMwari vakadaidzira nerufaro, Jobo 38:4–7. Mweya uchadzokera kunaMwari avo vakaupa, Mpa. 12:7. Ndisati ndakuumba munhumbu ndaikuziva, Jer. 1:4–5. Tose takabva paari, Mabasa 17:28. Mwari vakatisarudza nyika isati yavepo, VaE. 1:3–4. Tinofanira kuve pasi paBaba vemweya, VaH. 12:9. Ngirozi dzisina kuchengetedza chinhano chadzo chekutanga, akadziisa mumangetani anogara nariinhi, Jud. 1:6 (Abr. 3:26). Dhiabhorosi nengirozi dzake vakakandwa kunze, Zvaka. 12:9. Vakadaidzwa vakagadzirirwa kubvira pahwaro hwenyika, Aru. 13:3. Kristu akatarisa hukuru husingaperi nemhomho dzekudenga pasi risati raitwa, D&Z 38:1. Munhu akanga ariwo pakutanga ainaMwari, D&Z 93:29 (Hir. 14:17; D&Z 49:17). Mweya inokudzwa yakasarudzwa pakutanga kuti vave vatongi muChechi, D&Z 138:53–55. Vazhinji vakagashira zvidzidzo zvavo zvekutanga munyika yemweya, D&Z 138:56. Zvinhu zvose zvakasikwa mumweya zvisati zvave panyika, Mos. 3:5. Ndakaita nyika, nevanhu vasati vave munyama, Mos. 6:51. Abrahama akaona ungwaru idzo hwainge hwakarongwa nyika isati yavepo, Abr. 3:21–24.