Vimba Onawo Chivimbo; Rutendo Kuvimba ne kana kuisa ruvimbo mune mumwe kana chimwe chinhu. Munyaya dzemweya, kuvimba kunosanganisa kuvimba naMwari neMweya wake. Kana dai akandiuraya, asi ini ndichavimba naye, Jobo 13:15. Vimbai naIshe nemwoyo wenyu wose, Zir. 3:5. Mwari akaponesa varanda vake avo vaivimba naye, Dan. 3:19–28. Ndichavimba nemi nariinhi, 2 Ni. 4:34. Farai muise kuvimba kwenyu muna Mwari, Mosaya 7:19. Ani zvake anoisa ruvimbo rwake muna Mwari vachamutswa muzuva rekupedzisira, Mosaya 23:22. Ani zvake achaisa ruvimbo rwake muna Mwari achatsigirwa mukuedzwa kwake, Aru. 36:3, 27. Musavimba neruoko rwenyama, D&Z 1:19. Isai ruvimbo kune uyo Mweya unotungamirira mukuita zvakanaka, D&Z 11:12. Regai avimbe mandiri haazonyadziswa, D&Z 84:116.