Zvibatsiro Zvekudzidza
Chitsidzo neChibvumirano cheHupirisita


Chitsidzo neChibvumirano cheHupirisita

Chitsidzo imhiko yakasimbiswa kuti ndeyechokwadi nekuvimbika kuvimbiso dzemunhu. Chibvumirano ivimbiso yakakosha kwazvo pakati pemapoka maviri. Hupirisita hwaAroni hunotambirwa nechibvumirano chete. Vane Hupirisita hwaMerkizedeki vanogashira hupirisita nechitsidzo chisingataurwe nechibvumirano. Vane hupirisita kana vaine rutendo vachishandisa kudaidzwa kwavo sekutungamira kwaMwari, vanovaropafadza. Avo vane rutendo kusvika kumagumo vachiita zvose zvavanovakumbira vanogashira zvose izvo Baba zvavainazvo (D&Z 84:33–39).