Zvibatsiro Zvekudzidza
Umambo hwaMwari kana Umambo hweKudenga


Umambo hwaMwari kana Umambo hweKudenga

Umambo hwaMwari pano pasi iChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira (D&Z 65). Chinangwa cheChechi kugadzirira nhengo dzayo kuti dzigare narinhi narinhi muumambo hwepakudenga hweseresitiyaro kana muumambo hwokudenga. Zvisinei, magwaro matsvene pane dzimwe nguva anodaidza Chechi kuti umambo hwokudenga, zvichireva kuti Chechi ndiyo umambo hwokudenga pano pasi.

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira ndiyo umambo hwaMwari pano pasi, asi iye zvino inongogumira muumambo hwezvekunamata. Munguva yeMereniamu, umambo hwaMwari hunenge huri zvose zvematongerwo enyika nezvekunamata.