Zvibatsiro Zvekudzidza
Vakoronike


Vakoronike

Mabhuku maviri ari muTestamente yaKare. Anopa rungano rwupfupi rwezvinhu kubvira paKusika kusvika muchiziviso cheKoreshi chakabvumira kuti maJuda adzokere kuJerusarema.

Vakoronike Vekutanga

Zvitsauko 1–9 zvine nhoroondo yekubva kuna Adama kusvika kuna Sauro. Chitsauko 10 chinonyora nezverufu rwaSauro. Zvitsauko 11–22 zvinotevedza zvakaitika zvinechekuita nezvekutonga kwaDavidi. Zvitsauko 23–27 zvinotsanangura kuti Soromoni akaitwa mambo uye maRevi akarongwa. Chitsauko 28 chinotsanangura kuti Davidi akaraira Soromoni kuti avake temberi. Chitsauko 29 chine zverufu rwaDavidi.

Vakoronike Vechipiri

Zvitsauko 1–9 zvinotevedza zvinhu zvekutonga kwaSoromoni. Zvitsauko 10–12 zvinotaura nezvekutonga kwemwanakomana waSoromoni Rehoboami, munguva iyoyo ndipo pakapatsanurwa umambo hwakanga hwakabatana hweIsraeri, hwakapatsanurwa muumambo hwekuchamhembe nehwekumaodzanyemba. Zvitsauko 13–36 zvinotsanangura kutonga kwemadzishe akasiyana-siyana kusvika pakutapwa kweumambo hwaJuda naNebukadnezari. Bhuku iri rinopedzisa negwaro raKoreshi raiti vana vaJuda vakanga vakatapwa vangachidzokera kuJerusarema.