Zvibatsiro Zvekudzidza
Mirairo, Ine gumi


Mirairo, Ine gumi

Mitemo gumi yakapiwa naMwari kuburikidza nemuporofita Mosesi kuti itonge zviito zvehunhu.

Zita rayo rechiHeberu rinoti “Mazwi Gumi.” Inodaidzwawo kuti Chibvumirano (Deut. 9:9) kana Uchapupu (Eks. 25:21; 32:15). Kupa kwaMwari Mirairo Inegumi kuna Mosesi, nekuburikidza naye kuIsraeri, zvinotsanangurwa muna Eks. 19:9–20:23; 32:15–19; 34:1. Mirairo yakanyorwa pamafendefa maviri emabwe, ayo akaiswa muAreka; saka Areka yakadaidzwa kunzi Areka yeChibvumirano (Num. 10:33). Ishe, vachitora kubva kuna Deut. 6:4–5 uye Rev. 19:18, akadimburira Mirairo Inegumi “mumirairo mikuru miviri” (Mat. 22:37–39).

Mirairo Inegumi yakadzokererwa muzvakazarurwa zvemazuva ekupedzisira (Mosaya 12:32–37; 13:12–24; D&Z 42:18–28; 59:5–13; DJS, Eks. 34:1–2).