Zvibatsiro Zvekudzidza
Amosi


Amosi

Muporofita wemuTestamente yaKare uyo akaporofita kubvira pangangove muna 792 kusvika mugore ra740 Kristu asati azvarwa, mumazuva Uziya, mambo wemaJuda, naJeroboami, mambo weIsraeri.

Bhuku raAmosi

Bhuku riri muTestamente yaKare. Zviporofita zvizhinji zvaAmosi zvinoyambira maIsraeri nemarudzi akavakidzana navo kuti vadzokere mukururama.

Zvitsauko 1–5 zvinodaidza Israeri nemarudzi akavakidzana navo kuti vatendeuke. Chitsauko 3 chinotsanangura kuti Ishe vanozarurira zvakavanzika zvavo kuvaporofita uye nokuti pamusana pekutadza, Israeri ichaparadzwa nomuvengi. Zvitsauko 6–8 zvinoporofita nokupunzika kweIsraeri makore mazhinji Asiria isati yaipindira. Chitsauko 9 chinoporofita kuti Israeri ichadzorerwa kunyika kwayo.