Hana, Amai vaSamueri
Amai vaSamueri, muporofita wemuTestamente yaKare. Ishe vakapa Samueri kuna Hana semhinduro kuminamato yake (Ⅰ Sam. 1:11, 20–28). Hana akapira Samueri kuna Ishe. Rwiyo rwake rwekupa kutenda rungangoenzaniswa nerwaMaria, amai vaJesu (Ⅰ Sam. 2:1–10; Ruka 1:46–55).