Zvibatsiro Zvekudzidza
Chiratidzo cheKutanga


Chiratidzo cheKutanga

Kuzviratidza kwaMwari Baba neMwanakomana wavo Jesu Kristu kuMuporofita Joseph Smith muchisango chemiti.

Munguva yepfumvudza ya1820, Joseph Smith, Mwana, akange ave mugore rake rechigumi nemashanu. Aigara nemhuri yake mukaguta kainzi Palmyra, New York. Kanhambwe kadiki-diki nechekumadokero kwemusha wavo kwaive nechisango chemiti mikuru. Josefa akaenda kunzvimbo iyi kuti anonamata kuna Mwari kuti adzidze kuti chechi chaiyo ndeyipi. Akanga atorwa mwoyo paakanga achiverenga Bhaibheri kuti akafanira kutsvaga mhinduro kubva kuna Mwari (Jkb. 1:5–6). Mukupindura munamato wake, Baba neMwanakomana vakazviratidza kwaari vakamuudza kuti asapinde kana imwechete yechechi dzakanga dziripo pasi nguva iyoyo, nokuti dzakange dzisiri pachokwadi (Nh—JS 1:15–20). Ruzivo rwunoera urwu rwakatangisa kuitika kwezvinhu zvaizo unza Rudzorero rwevhangeri neChechi yechokwadi yaKristu.