Zvibatsiro Zvekudzidza
Ropa


Ropa

Raitariswa nemaIsraeri epasichigare nendudzi dzakasiyana-siyana sedura reupenyu kana kuti simba rinokosha kune zvenyama zvose. Munguva dzeTestamente yaKare Ishe vairambidza Israeri kudya ropa sechekudya (Rev. 3:17; 7:26–27; 17:10–14).

Simba rokudzikinura riri mumupiro raive muropa nokuti ropa raitariswa sechinhu chaikosha kuti upenyu huvepo. Mupiro wemhuka muTestamente yaKare waive chiratidzo chemupiro chikuru chakazoitwa pemberi naJesu Kristu (Rev. 17:11; Mos. 5:5–7). Jesu Kristu ropa rake rerudzikinuro rinoshambidza anotendeuka kubva muchitadzo (Ⅰ Joh. 1:7).