Zvibatsiro Zvekudzidza
Mutemo


Mutemo

Mirairo kana mirau yaMwari panove ndipo panobva ose maropafadzo nekurangwa kwose kudenga nepano pasi. Avo vanoteerera mitemo yaMwari vanogashira maropafadzo akavimbiswa. Muporofita Joseph Smith akadzidzisa kuti vanhu vakafanirao kuteerera, kukudza nekutsigira mirau yenyika (Mis. yeCh. 1:12).

Mutemo waMosesi waive mutemo wekugadzirira varume nevakadzi kuti vaunzwe kuna Kristu. Waive mutemo wekurambidza, nokumanikidza nezvisungo. Nhasi mutemo waKristu, uyo wakazadzikisa mutemo waMosesi, kuzara kwevhangeri kana “kukwana kwemurau werusununguko” (Jkb. 1:25).