Zvibatsiro Zvekudzidza
Zioni


Zioni

Vakachena mumwoyo (D&Z 97:21). Zioni zvinorevawa kuti nzvimbo iyo inogara vakachena mumwoyo. Guta rakavakwa naEnoki nevanhu vake avo vakazotorwa vakaenda kudenga pamusana pekururama kwavo rakadaidzwa kuti Zioni (D&Z 38:4; Mos. 7:18–21, 69). Mumazuva ekupedzisira guta rinonzi Zioni richavakwa pedyo neRuwa rweJackson, kuMissouri (USA), uko marudzi aIsraeri achaungana (D&Z 103:11–22; 133:18). Vatendi vanorairwa kuti vavake Zioni kwose kwavagere munyika.