Zvibatsiro Zvekudzidza
VaSamaria


VaSamaria

Vanhu vemubhaibheri vaigara muSamaria mushure mekunge ushe hwekuchamhembe kweIsraeri hwatorwa nevaAsiria. MaSamaria kumwe vaive maIsraeri kumwe vari maJentairi. Chitendero chavo chaive musanganiswa wechiJuda nezvitendero nezviito zvechi hedheni. Rungano rwemuSamaria Akanaka muna Ruka 10:25–37 rwunoratidza ruvengo urwo rwakange rwuine maJuda kumaSamaria pamusana pekuti maSamaria akanga arasika kubva muchitendero chemaIsraeri. Ishe vakaudza Vaapositori kuti vadzidzise vhangeri kumaSamaria (Mabasa 1:6–8). Firipo akabudirira mukuparidza vhangeri raKristu kuvanhu veSamaria akaita zvishamiso zvakawanda pakati pavo (Mabasa 8:5–39).