Zvibatsiro Zvekudzidza
Bhaibheri


Bhaibheri

Zvinyorwa zvechiHeberu nechiKristu zvine zvakazarurwa zvitsvene. Izwi rinoti bhaibheri rinoreva kuti “mabhuku.” Bhaibheri ibasa revaporofita vakawanda nevanyori vakafemerwa vachishanda vari pasi peMweya Mutsvene (Ⅱ Pet. 1:21).

Bhaibheri rechiKristu rine zvikamu zviviri zvinozivikanwa seTestamente yaKare neTestamente Itsva. Testamente yaKare ine mabhuku emagwaro matsvene aishandiswa mukati memaJuda eFiristia enguva dzehushumiri hwaIshe munyama. Testamente Itsva ine zvinyorwa zvenguva yeVaapositori zvichitorwa sezvine hutsvene nesimba remagwaro matsvene evaJuda. Mabhuku eTestamente yaKare akatorwa kubva muzvinyorwa zverudzi zvinotaura nezvezvinhu zvemazana nemazana emakore uye zviri zvakanyorwa zvose zvazvo nechiHeberu, pane rimwe divi mabhuku eTestamente Itsva ibasa rechizvarwa chimwechete uye akanyorwa kazhinji nechiGiriki.

MuTestamente yaKare izwi rinoti testamente rinomirira izwi rechiHeberu rinoreva “chibvumirano.” Chibvumirano Chakare murau wakapiwa kuna Mosesi apo maIsraeri akaramba kuzara kwevhangeri raive nevanhu vaMwari kubvira pakutanga kweupenyu hwenyama. Chibvumirano Chitsva ivhangeri sekudzidziswa kwarakaitwa naJesu Kristu.

MuBhaibheri rechiHeberu (Testamente yaKare) mabhuku akanga akaiswa muzvikamu zvitatu: Murau, Maporofita, neZvinyorwa. Bhaibheri rinoshandiswa neMaKristu epasi rose rinoisa mabhuku muzvikamu maererano nemusoro wenhau, zvakaita senhorowondo dzezvinyorwa zvekare, nhetembo, nezviporofita.

Mabhuku eTestamente Itsva anowanzo rongwa sezvizvi: Mabhuku eVhangeri mana neMabasa eVaapostora; magwaro aPauro; magwaro anobata zvakasiyana-siyana aJakobo, Petro, Johane, naJudasi; neZvakazarurwa zvaJohane.

Chechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira rino yeresa nekuremekedza Bhaibheri nekusimbisawo kuti Ishe anoramba achipa zvakazarurwa zvitsva kuburikidza nevaporofita vake mumazuva ekupedzisira zvinotsigira nokuratidza zvinotaurwa mubhaibheri pamusoro pekushanda kwaMwari nemarudzi evanhu.