Zvibatsiro Zvekudzidza
Vatongi, Bhuku re


Vatongi, Bhuku re

Bhuku riri muTestamente yaKare. Bhuku reVatongi riri maererano nezvevaIsraeri kubva pakufa kwaJoshua kusvika mukuberekwa kwaSamueri.

Zvitsauko 1–3 chisumo kubhuku rose reVatongi. Zvinotsanangura kuti pamusana pekuti vaIsraeri havana kuburitsa vavengi vavo (Vat. 1:16–35), vaIsraeri vakafanira kutambudzika: kurasikirwa nerutendo, kuroora vasingadaire, nokunamata zvifananidzo. Zvitsauko 3–5 zvinotaura nezvakaonekwa naDebora naBaraki, avo vakaponesa vaIsraeri kubva kuma Kanani. Zvitsauko 6–8 zviitiko zvinokurudzira rutendo zvakasangana naGideoni, uyo akaropafadzwa naIshe kuti abvise maIsraeri kubva kumaMidiani. Muzvitsauko 9–12, varume vakawanda vakasiyana-siyana vanoshanda sevatongi muIsraeri, kunyanya vari mukurasika uye vari pasi pehudzvinyiriri. Zvitsauko 13–16 zvinotaura nezvekusimuka nokupunzika kwemutongi wekupedzisira, Samsoni. Zvitsauko zvekupedzisira, 17–21, zvinogona kutsanangurwa sezvakapamhidzirwa izvo zvinoratidza hudzami hwezvitadzo zveIsraeri.