Zvibatsiro Zvekudzidza
Munhu weNyama


Munhu weNyama

Munhu anosarudza kutongwa nezvinodiwa, zvido, mwoyo, nepfungwa dzenyama kunze kwekutongwa nekutumwa neMweya Mutsvene. Munhu akadaro anogona kunzwisisa zvinhu zvenyama asi kwete zvinhu zvemweya. Vose vanhu ndeve nyama, kana kuti vanofa, pamusana pekupunzika kwaAdama naEva. Wose munhu akafanira kuberekwa patsva murudzikinuro rwaJesu Kristu kuti arege kuva munhu wenyama.