Zvibatsiro Zvekudzidza
Mweya


Mweya

Iyo nhengo yemunhu mupenyu inenge iripo munhu asati azvarwa, inogara mumuviri wenyama panguva yeupenyu huno, uye inorarama mushure mekufa iri pachezvayo kusvika pakumutswa kuvakafa. Zvose zvinhu zvipenyu—rudzi rwevanhu, mhuka, nemiti—zvaive mweya kare kusati kwave neupenyu panyika pano (Gen. 2:4–5; Mos. 3:4–7). Muviri wemweya unoratidza semuviri wenyama (1 Ni. 11:11; Eta 3:15–16; D&Z 77:2; 129). Mweya chinhu, asi wakanyanya kutsetseka nekuchena kupfuura zvimwe zvipenyu kana zvinhu (D&Z 131:7).

Wose munhu chaizvo-chaizvo mwanakomana kana mwanasikana waMwari, akaberekwa semweya nevabereki veKudenga asati aberekwa kuvabereki vanofa pano panyika (VaH. 12:9). Wose munhu ari panyika ane muviri wemweya usingafe pamusoro pemuviri wenyama nemapfupa. Sekutsanangurwa kwazvinomboitwa mumagwaro matsvene, mweya nemuviri wenyama pamwechete zvinoumba mweya (Gen. 2:7; D&Z 88:15; Mos. 3:7, 9, 19; Abr. 5:7). Mweya unogona kurarama usina muviri wenyama, asi muviri wenyama haungararame pasina mweya (Jkb. 2:26). Kufa kwenyama kuparadzaniswa kwemweya nemuviri. Pakumuka kuvakafa, mweya unosanganiswa zvakare nemuviri mumwecheteyo wenyama nemapfupa wawainge uinawo semunhu anofa, paine mitsauko miviri mikuru: hazvizombofa zvakaparadzaniswa zvakare, muviri wenyama unenge usisazofa wave vakakwana (Aru. 11:45; D&Z 138:16–17).

Mweya yakaipa