Zvibatsiro Zvekudzidza
Omuni


Omuni

Aive muNifai muchengeti wezvinyorwa muBhuku raMormoni akanyora sekunge mugore ra361 Kristu asati azvarwa (Jar. 1:15; Omu. 1:1–3).

Bhuku raOmuni

Bhuku rakadudzirwa kubva kumahwendefa madiki aNifai muBhuku raMormoni. Bhuku iri rine chitsauko chimwechete chete, chine rondedzero rwedzihondo pakati pemaNifai nemaRamani. Omuni akanyora mavhesi matatu chete ekutanga ebhuku iri. Mahwendefa akazoiswa nemajana kuna Amaroni, Kemishi, Abhinadhomu, uye kekupedzisira Amarekai. Amarekai akaendesa mahwendefa kuna Mambo Benjamini, mambo weZarahemura.