Zvibatsiro Zvekudzidza
Ezra


Ezra

Mupirisita wemuTestamente yaKare uye ari munyori akaunza vamwe vemaJuda kuJerusarema kubva kuhusungwa hweBabironi (Ezra 7–10; Neh. 8, 12). Muna 458 Kristu asati azvarwa akawana mvumo kubva kuna Artashasta, mambo wePersia, kuti atore wose musungwa wechiJuda ainge achida kuenda kuJerusarema (Ezra 7:12–26).

Ezra asati avepo, vapirisita ndivo vainge vane masimba pamusoro pezvekuverengwa zvakaunganidzwa zvezvinyorwa zvemagwaro matsvene zvainzi “mutemo.” Ezra akayamura kuti magwaro matsvene awanikwe nemuJuda wose. Kuverengwa kuri pachena kwe “bhuku remutemo” kwakazove kuti kuve papakati peupenyu hwose hwemaJuda. Zvimwe kudzidzisa kwaEzra kukuru-kuru kwakauya kubva muchienzaniso chake mukugadzirira mwoyo wake mukutsvaka mutemo waIshe, kuuteerera, nokuudzidzisa kune vamwe (Ezra 7:10).

Bhuku raEzra

Zvitsauko 1–6 zvinotsanangura zvinhu zvakaitika kubvira makore makumi matanhatu kusvika makumi masere Ezra asati asvika muJerusarema—chirevo chaKoreshi muna 537 Kristu asati azvarwa uye kudzoka kwemaJuda pasi paZerubaberi. Zvitsauko 7–10 zvinoratidza kuti Ezra akaenda sei kuJerusarema. Iye, nechikwata chake, vakatsanya uye vakanamata kuti vadzivirirwe. KuJerusarema vakaona maJuda vazhinji vakanga vatanga kuenda Jerusarema pasi paZerubaberi uye vakanga varoora vakadzi vari kunze kwechibvumirano nokudaro vakanga vazvisvibisa. Ezra akavanamatira uye akavaisa pasi pechibvumirano kuti varambe vakadzi ivavo. Rungano rwekupedzisira rwaEzra rwunowanikwa mubhuku raNehemia.