Zvibatsiro Zvekudzidza
Jakobho, Mwanakomana waRihai


Jakobho, Mwanakomana waRihai

Muporofita muBhuku raMormoni nemunyori wemharidzo dzakawanda mumabhuku a 2 Nifai naJakobho (2 Ni. 6–11; Jak. 1–7).

Bhuku raJakobho

Bhuku rechitatu muBhuku raMormoni. Chitsauko 1 chinotaura kuti Nifai akaisa zvinyorwa kuna Jakobho ndokubva agadza Jakobho nemunin’ina wake Josefa kuti vave vapirisita nevadzidzisi kuvanhu. Zvitsauko 2–4 imharidzo inokurudzira vanhu kuti vave nehunhu hwakachena. Jakobho akadzidzisawo pamusoro pekuuya kwaMesia anonunura, akapa zvikonzero zvinoita kuti vamwe muIsraeri vazomuramba pakuuya kwake. Zvitsauko 5–6 zvine uchapupu hwaJakobho nerungano rwechiporofita pamusoro peupenyu nebasa revanhu vaIsraeri. Chitsauko 7 chine tsananguro yemupanduki akadzidza zvikuru ainzi Sheremu uyo akakundwa neuchapupu hutsvene hwaJakobho.