Zvibatsiro Zvekudzidza
Eria


Eria

Kune mashandisirwo mazhinji ezita kana mudzidzirwo waEria mumagwaro matsvene:

Erija

Eria manyorero eMuTestamente Itsva echiGiriki Erija (chiHeberu), semuna Mat. 17:3–4, Ruka 4:25–26, naJkb. 5:17. Munguva dzose idzi Eria aive muporofita wepasi chigare Erija ane mabasa ake akanyorwa mu1 uye Ⅱ Madzimambo.

Mutumwa vemberi

Eria mudaidzirwo weuyo anotanga kufanoenda mberi. Semufananidzo, Johane Mubapatidzi aive Eria nokuti akatumwa kuzogadzira nzira yaJesu (Mat. 17:12–13).

Mudzoreri

Mudaidzirwo Eria unopihwawo kune vamwe vaive nemabasa akatorwa ekuti vazadzikise, saJohane Muzaruri (D&Z 77:14) naGabrieri (Ruka 1:11–20; D&Z 27:6–7; 110:12).

Munhu ari mumukawo waAbrahama

Muporofita ainzi Isayasi kanaEria uya ari pachena kuti aigara mumazuva aAbrahama (D&Z 84:11–13; 110:12).