Zvibatsiro Zvekudzidza
Denga


Denga

Izwi denga rinoreva zvinhu zviviri mumagwaro matsvene. (1) Ndiyo nzvimbo inogara Mwari nemusha wamangwana weVatendi (Gen. 28:12; Mpi. 11:4; Mat. 6:9). (2) Ndiro rakatenderedza pasi (Gen. 1:1, 17; Eks. 24:10). Kudenga hakuzi paradiso, inove ndiyo nzvimbo yekumbofanogara yemweya inotenda yeavo vakagara uye vakafira pasi pano. Jesu akashanyira paradiso mushure merufu rwake pamuchinjikwa, asi muzuva rechitatu, akaudza Maria kuti akange asati aenda kuna Baba (Ruka 23:39–44; Joh. 20:17; D&Z 138:11–37).