Zvibatsiro Zvekudzidza
Rutendo


Rutendo

Ruvimbo mune chimwe chinhu kana mumwe munhu. Sekushandiswa kwarinoitwa kazhinji mumagwaro matsvene, rutendo ruvimbo nekuvimba munaJesu Kristu zvinotungamira munhu mukumuteerera. Rutendo rwakafanira kunangana naJesu Kristu kuti rwugotungamirira munhu kuruponeso. Vatendi vaMazuva ekupedzisira vane rutendowo muna Mwari Baba, Mweya Mutsvene, simba rehupirisita, nezvimwewo zvevhangeri rakadzorerwa.

Rutendo rwunosanganisa tariro yezvinhu zvisingaonekwe, asi zviri zvechokwadi (VaH. 11:1; Aru. 32:21; Eta 12:6). Rutendo rwunobatidzwa nekunzwa vhangeri richidzidziswa nevatariri vakabvumira vakatumirwa naMwari (VaR. 10:14–17). Basa rinoitwa nesimba raMwari hariburitse rutendo, asi rutendo rwakasimba rwunovakwa nokuteerera kuvhangeri raJesu Kristu. Nemamwe mazwi, rutendo rwunouya nekururama (Aru. 32:40–43; Eta 12:4, 6, 12; D&Z 63:9–12).

Rutendo rwechokwadi rwunounza basa rinoitwa nesimba raMwari, zviratidzo, zviroto, kurapa, nezvipo zvose zvaMwari izvo zvavanopa kuVatendi vavo. Nerutendo munhu anowana kuregererwa kwezvitadzo uye achizogona kugara pana Mwari. Kushaya rutendo kunotungamira munhu mukuora mwoyo, zvinouya pamusana pekuipa (Moro. 10:22).