Zvibatsiro Zvekudzidza
Beteri


Beteri

MuchiHeberu, zvinoreva kuti “imba yaMwari” iri imwe yenzvimbo dzinoereswa kwazvo muIsraeri. Inowanikwa mamaera angangosvika gumi kuchamhembe kweJerusarema. Pano apa ndipo pakavaka Abrahama artari yake panguva yaakatanga kusvika muKanani (Gen. 12:8; 13:3). Pano Jakobo akaona muchiratidzo manera aisvika kudenga (Gen. 28:10–19). Yaivewo iri nzvimbo tsvene mumazuva aSamueri (Ⅰ Sam. 7:16; 10:3).