Zvibatsiro Zvekudzidza
Dani


Dani

MuTestamente yaKare, mwanakomana waJakobo naBirha, murandakadzi waRakeri (Gen. 30:5–6).

Rudzi rwaDani

Zvemaropafadzo aJakobo kuna Dani, ona Genesi 49:16–18. Zvemaropafadzo aMosesi kurudzi rwaDani, tarisai Deuteronomio 33:22. Mushure mekunge vagara muKanani, rudzi rwaDani rwakagashira kanyika kadiki asi kakaorera zvakanyanyisa (Josh. 19:40–48). Vakanga vaine dambudziko rakakura mukuidzivirira kubva kumaAmori (Vat. 1:34) nekubva kumaFiristia (Vat. 13:2, 25; 18:1). Naizvozvo, maDani vakaenda kuchamhembe kweFiristia (Vat. 18), nechekuRaisha, uye vakapa guta rimwe zita rekuti Dani. Guta iri rinozivikanwa kwazvo semuganhu wekuchamhembe kweFiristia, raibatanidza “kubva Dani kana kusvika kuBeeri-sheba.”