Zvibatsiro Zvekudzidza
Harmagedoni


Harmagedoni

Zita rekuti Harmagedoni rinotorwa kubva muchiHeberu Har Magedoni, zvinoreva kuti “gomo reMegido.” Nhika reMegido riri mudivi rekumadokero bani guru reEsidraroni, makumi mashanu emamaira (makiromita makumi masere) kuchamhembe kweJerusarema, uye iri nzvimbo yakarwirwa hondo dzakakosha kwazvo munguva dzeTestamente yaKare. Hondo huru yekupedzisira ichaitika pedyo nenguva yekuuya kwechipiri kwaIshe inonzi hondo yeHarmagedoni nokuti ichatangira mudunhu rakarero. (Ona Ezk. 39:11; Zek. 12–14, kunyanya 12:11; Zvaka. 16:14–21.)