Zvibatsiro Zvekudzidza
Ngirozi


Ngirozi

Kune marudzi maviri ari kudenga anodaidzwa kunzi ngirozi: avo vemweya neavo vane muviri yenyama nemapfupa. Ngirozi dzemweya hadzisati dzawana muviri wenyama nemapfupa, kana kuti mweya yakambenge ine muviri wenyama uye dzakamirira kubva kukumuka kuvakafa. Ngirozi dzine miviri yenyama nemapfupa dzingangove dzakamuka kubva kuvakafa kana kuti vakasandurwa.

Kune zvizhinji zvinotaurwa mumagwaro matsvene pamusoro pebasa rengirozi. Dzimwe nguva ngirozi dzinotaura nezwi remutinhimira wemabhanan’ana pakupa zvadzinenge dzatumwa naMwari (Mosaya 27:11–16). Vakarurama vanhu venyama vanogona kudaidzwawo kunzi ngirozi (DJS, Gen. 19:15). Dzimwe ngirozi dzinoshanda dziri pachigaro chaMwari kudenga (Aru. 36:22).

Magwaro matsvene anotaurawo nezve ngirozi dzadhiabhorosi. Iyi ndiyo mweya iya yakatevera Rusifa uye vakatandaniswa pamberi paMwari kusati kwave neupenyu hwenyama vakakandwa pasi (Zvaka. 12:1–9; 2 Nifai 9:9, 16; D&Z 29:36–37).