Zvibatsiro Zvekudzidza
Smith, Joseph, Mwana


Smith, Joseph, Mwana

Muporofita akasarudzwa kuti adzorere pakare Chechi yechokwadi yaJesu Kristu pano pasi. Joseph Smith akaberekerwa muruwa rweVermont muUnited States dzeAmerica akagara kubva muna 1805 kusvika 1844.

Muna 1820, Mwari Baba naJesu Kristu vakazviratidza kuna Joseph, akadzidza kuti pachechi dzose dziri pasi pano pakanga pasina yechokwadi (Nh—JS 1:1–20). Akashanyirwa mushure nengirozi Moronai, iyo yakamuratidza nzvimbo yakanga yakavigwa mahwendefa egoridhe ayo aive nezvinyorwa zvevanhu vakare vaive munyika yeAmerica (Nh—JS 1:29–54).

Joseph akadudzira mahwendefa uye muna 1830 akashambadza Bhuku raMormoni (Nh—JS 1:66–67, 75). Muna 1829, akagashira mvumo yehupirisita kubva kuna Johane Mubapatidzi nekubva kuna Petro, Jakobo, naJohane (D&Z 13; 27:12; 128:20; Nh—JS 1:68–70).

Sekurairwa naMwari, musi wa6 Kubvumbi muna 1830, Joseph nevamwe vakati kuti vakaronga Chechi yakadzorerwa pakare raJesu Kristu (D&Z 20:1–4). Pasi pehutungamiri hwaJoseph, Chechi yakakura muCanada, England, nekumabvazuva KweUnited States, kunyanya muOhio, Missouri, neIllinois. Katambudzwa kukuru kwakatevera Joseph neVatendi kwose kwavainogara. Musi wa27 Chikumi mugore ra1844, Joseph nemukoma wake Hyrum vakaurairwa vhangeri muCarthage, Illinois, mu United States yeAmerica.

Gwaro dzvene rakaunzwa neMuporofita Joseph Smith

Joseph akadudzira zvidimbu zvemahwendefa egoridhe ayo akapiwa kwaari nengirozi Moronai, dudziro yacho yakashambadzwa muna 1830 seBhuku raMormoni. Akagashirawo zvakazarurwa zvakawanda kubva kuna Ishe zvichitaura nezvedzidziso nekurongwa kweChechi. Zvizhinji zvezvakazururwa izvi zvakanyorwa umo mave kunzi Dzidziso neZvibvumirano. Ndiye akaitawo kuti Dombo Remutengo Mukuru, rine dudziro dzezvimwe zvinyorwa zvaMosesi, Abrahama, naMateo, zvakatorwa kubva munhoroondo yake pachake neuchapupu nemisidzo gumi nenhatu dzedzidziso nezvinotendwa mazviri neChechi.