Zvibatsiro Zvekudzidza
Nehemia


Nehemia

MuIsraeri aizivikanwa zvikuru muBabironi muTestamente yaKare (aive muRevi kana kuti werudzi rwaJuda) aive nebasa rekutakura mukombe padare paArtashasta, uko kwaakawana mvumo yamambo ichimupa simba rekuvaka zvakare chidziro cheJerusarema.

Bhuku raNehemia

Bhuku iri rinoenderera mberi kubva mubhuku raEzra. Rine rondedzero yekufambira mberi nemadzudzo ebasa rekuJerusarema mushure mekudzoka kwemaJuda kubva muutapwa hweBabironi. Zvitsauko 1–7 zvinotaura nezvekushanya kwekutanga kwaNehemia kuJerusarema nokuvakwa zvakare kwechidziro cheguta, kana dai paive nekushorwa kukuru. Zvitsauko 8–10 zvinotsanangura kunamata nokupinduka kwezveupenyu izvo Nehemia akaedza kuita. Zvitsauko 11–13 zvinopa mazita evavo vakakodzera nokupa rondedzero yekunamatirwa kwechidziro. Ndima 4–31 dzechitsauko 13 dzinotaura nezvekushanya kwaNehemia kechipiri kuJerusarema mushure megumi nemakore maviri asimo.