Zvibatsiro Zvekudzidza
Vanakomana veKuraswa


Vanakomana veKuraswa

Vateveri vaSatani vachatambudzika naye muupenyu husingagume. Vanakomana vekuraswa vanosanganisa (1) avo vakatevera Satani vakakandwa kunze kwedenga pamusana pekupanduka muupenyu hwakateverwa nehuno, uye (2) avo vakabvumirwa kuti vaberekerwe munyika vaine miviri yenyama asika vakashandira Satani vakapindukira Mwari zvachose. Avo vari muchikwata chino chechipiri vachamutswa kuvakafa asi havazonunurwa kubva kune rufa rwechipiri (rwemweya) havanga kwanise kugara muumambo hwekubwinya (D&Z 88:32, 35).