Makumi Manomwe Onawo Hupirisita hwaMerkizedeki; Muapositori Chinzvimbo chinogadzwa varume muHupirisita hwaMerkizedeki. Nhasi uno, chikwata cheMakumi Manomwe ndivo Vatarisi veChechi vanopiwa simba reuapositori, asi havagadzwe seVaapositori. Vanoisa nguva yavo izere mukushumira. Ishe vakasarudza vamwe makumi manomwe, Ruka 10:1. Vane Makumi manomwe vanodaidzwa kuti vaparidze vhangeri vagove vapupuriri vakatsanangurwa vaJesu Kristu, D&Z 107:25–26. Vane Makumi Manomwe vanobata muzita raIshe, vari pasi pahuntungamiri hwevaneGumi neVaviri, kuvaka Chechi nekufambisa nyaya dzose dzechechi mumarudzi ose, D&Z 107:34. Sarudza vamwe Makumi Manomwe kana kakapetwa kanomwe, kana paine basa racho, D&Z 107:93–97. Chikwata cheMakumi–manomwe chakaitirwa kufamba kwemagosa kutakura zvinhu zvezita rangu kupasi rose, D&Z 124:138–139.