Zvibatsiro Zvekudzidza
Davidi


Davidi

Mambo weIsraeri yekare muTestamente yaKare.

Davidi aiva mwanakomana waJesi werudzi rwaJuda. Akanga ari jaya risingatye akauraya shumba, bhiye (bear), nehwende yemaFiristia Goriati (Ⅰ Sam. 17). Davidi akasarudzwa akazodzwa kuti ave mambo weIsraeri. SaSauro, muupenyu hwake akura akange aine mhosva dzaityisa, asi, paasina kufanana naSauro, iye aikwanisa kuratidza kushushikana nekutadza. Nokudaro akakwanisa kuwana ruregerero, kunze kwemukupondwa kwaUria (D&Z 132:39). Upenyu hwake hunogona kuiswa muzvidimbu zvina: (1) kuBetrehema, uko kwaakanga ari mufudzi wehwai (Ⅰ Sam. 16–17); (2) mudare raMambo Sauro (Ⅰ Sam. 18:1–19:18); (3) semutizi (Ⅰ Sam. 19:18–31:13; Ⅱ Sam. 1:1–27; (4) samambo wemaJuda kuHebroni (Ⅱ Sam. 2–4), uye mushure samambo weIsraeri yose (Ⅱ Sam. 5–24; Ⅰ Madz. 1:1–2:11).

Chitadzo chaDavidi chehupombwe naBati-sheba chakatevedzwa nezvimhingamupinyi zvakakanganisa makumi maviri ekupedzisira eupenyu hwake. Rudzi rwake rwakabudirira munguva yekutonga kwake, asi Davidi pachake akatambudzwa nezvikonzero zvezvitadzo zvake. Paigara paine bishi mudzimhuri, zvaiti, munyaya yaAbsaromi naAdonia, zvakapedzisira zvave kumukirana kuri pachena. Zviitiko izvi zvinozadzikisa zvakataurwa naNatamu muporofita pamusoro paDavidi pamusana pechitadzo chake (Ⅱ Sam. 12:7–13).

Zvisinei nematambudziko iwaya, kutonga kwaDavidi ndiko kwakajekesesa munhoroondo rwemaIsraeri, nokuti (1) akabatanidza marudzi kuti kuve nerudzi rwumwechete, (2) akawana zvisina nharo huridzi hwenyika, (3) akamisa hurumende pachitendero chechokwadi kuti kuda kwaMwari kuve mutemo weIsraeri. Pamusana pezvikonzero izvi, kutonga kwaDavidi kwakaonekwa mushure senguva yakabudirira kwazvo yerudzi uye yairatidza nguva yakafanana neyaizo uya Mesia (Isa. 16:5; Jer. 23:5; Ezk. 37:24–28).

Upenyu hwaDavidi hunoratidza kufanira kwevanhu vose kushingirira mukururama kusvika kumagumo. Sejaya, akataurwa kuti murume akatarisira “mwoyo chaiwo” waIshe (Ⅰ Sam. 13:14); semurume, aitaura neMweya uye akange aine zvakazarurwa zvizhinji. Asi akabhadhara mutengo wakarema mukusateerera mirairo yaMwari (D&Z 132:39).

Dhinda