Zvibatsiro Zvekudzidza
Firemoni, Magwaro kuna


Firemoni, Magwaro kuna

Bhuku riri muTestamente Itsva, rakatorwa mutsamba yakanyorwa naPauro. Tsamba yaPauro kuna Firemoni itsamba isiri yavazhinji yakanyorwa pamusoro paOnesimo, nhapwa yakanga yabira tenzi wayo, Firemoni, ndokutizira kuRoma. Pauro akamudzorera kuna tenzi wake kuKorose aina Tikiko, mutakuri wetsamba yaPauro kuvaKorose. Pauro akakumbira kuti Onesimo aregererwe agogashirwa semumwe muKristu. Pauro akanyora tsamba iyi ari mutirongo muRoma kekutanga.