Zvibatsiro Zvekudzidza
Mweya Mutsvene


Mweya Mutsvene

Nhengo yechitatu yemusoro weHumwari (Ⅰ Joh. 5:7; D&Z 20:28). Munhu weMweya, asina muviri wenyama nemapfupa (D&Z 130:22). Mweya Mutsvene unotaurwa uchinzi Mweya, kana Mweya waMwari.

Mweya Mutsvene une zvaunoita zvakati-kuti zvinokosha muhurongwa hweruponeso. (1) Anopa uchapupu pamusoro paBaba neMwanakomana (Ⅰ VaKori. 12:3; 3 Ni. 28:11; Eta 12:41). (2) Anoratidza chokwadi chezvinhu zvose (Joh. 14:26; 16:13; Moro. 10:5; D&Z 39:6). (3) Anochenesa avo vavatendeuka uye vakabhabhatidzwa (Joh. 3:5; 3 Ni. 27:20; Mos. 6:64–68). (4) Ndiye Mweya Mutsvene weChivimbiso (D&Z 76:50–53; 132:7, 18–19, 26).

Simba reMweya Mutsvene rinogona kuuya pamunhu rubhabhatidzo rwusati rwavepo agopupura kuti vhangeri ndere chokwadi. Asi mvumo yekuve nguva dzose neufambidzani hweMweya Mutsvene, kana munhu akakodzera, chipo chinogona kugashirwa chete nekugadzwa maoko neane Hupirisita hwaMerkizedeki mushure merubhabhatidzo rwakabvumirwa muChechi yechokwadi yaJesu Kristu.

Jesu akadzidzisa kuti zvose zvitadzo zvinogona kuregererwa kunze kwekutuka Mweya Mutsvene (Mat. 12:31–32; Marko 3:28–29; Ruka 12:10; VaH. 6:4–8; D&Z 76:34–35).