Zvibatsiro Zvekudzidza
Chakachena neChisina Kuchena


Chakachena neChisina Kuchena

MuTestamente yaKare, Ishe vakaratidza kuna Mosesi nekumaIsraeri epasi chigare kuti zvimwe zvekudya zvakati chete ndizvo zvaitorwa kuti zvakachena kana, mune mamwe mazwi, zvinokwanisa kudyiwa. Mutsauko wakaitwa nemaIsraeri pakati pekudya kwakachena nekusina kuchena wakakonzera zvinhu zvikuru mukunamata kwavo nemuupenyu hwavo. Dzimwe mhuka, shiri, nehove dzainzi dzakachena uye dzichibvumidzwa kudyiwa, asi dzimwe dzakange dzisina kuchena uye dzairambidzwa (Rev. 11; Deut. 14:3–20). Vamwe vanhu vaive nezvirwere vainzi havana kuchena.

Kana zvichitarisiswa pamweya, kuve wakachena kuve usina chitadzo nezvido zvakaipa. Mupfungwa iyi izwi iri rinoshandiswa kutsanangura munhu anetsika uye aine mwoyo mutsvene (Mpi. 24:4). Vanhu vaMwari veChibvumirano chaMwari nguva dzose vane zvavanoudzwa kuti vave vakachena (3 Ni. 20:41; D&Z 38:42; 133:5).