Zvibatsiro Zvekudzidza
Kupira


Kupira

Mumazuva ekare, kupira zvaireva kuita chimwe chinhu kana mumwe munhu ave mutsvene kana mutsvene. Zvino zvave kureva kusiya kana kurasikirwa nezvinhu zvenyika pamusoro paIshe neumambo hwake. Nhengo dzeChechi raIshe dzakafanira kuda kupira zvose zvinhu kuitira Ishe. Joseph Smith akadzidzisa kuti “chitendero chisingade kuzvipira muzvinhu zvose hachimbofa chakave nesimba rakakwana rekuburitsa rutendo rwunodiwa muupenyu nemuruponeso.” Mukutarisa zvinhu zvokusingaperi, makomborero anowanikwa kuburikidza nekupira akakura kupfuura chipizvacho chinenge chapirwa.

Mushure mekunge Adama naEva vabviswa muBindu reEdeni, Ishe vakavapa mutemo wekupira. Mutemo waisanganisa kupira matangwe ezvipfuwo zvavo. Kupira uku rwaive upawo rwemupiro waizoitwa neMwanakomana Mumwechete Akaberekwa waMwari (Mos. 5:4–8). Kuita uku kwakaramba kuchiitwa kudakara kufa kwaJesu Kristu, uko kwakagumiso kupirwa kwemhuka sechisungo chevhangeri (Aru. 34:13–14). MuChechi nhasi nhengo dzinodya sakaramende yechingwa nemvura mukurangarira kuzvipira kwaJesu Kristu. Nhengo dzeChechi raKristu nhasi dzinokumbirwawo kupa mupiro wemwoyo wakatyoka nemweya wakapfava (3 Ni. 9:19–22). Izvi zvinoreva kuti vakazvininipisa vakatendeka uye vane chido chekuteerera mirairo yaMwari.