Zvibatsiro Zvekudzidza
Munamato


Munamato

Kutaura kuna Mwari kune kuremekedza panguva munhu paanenge achipa kutenda nokukumbira maropafadzo. Minanato inotaurwa kuna Baba vedu Vekudenga muzita raJesu Kristu. Minamato inogona kutaurwa zvino nzwika kana kuitwa chinyararire. Pfungwa dzemunhu dzinogona kuve munamato kana dzakanangana nekunaMwari. Rumbo rweakarurama rungave munamato kuna Mwari (D&Z 25:12).

Chikonzero chemunamato hakusi kuti tisandure kuda kwaMwari, asi kuti tiwane isu pachedu nevamwe makomborero ayo Mwari vanoda kutipa, asi ari atakafanira kukumbira kuti tiawane.

Tinomata kuna Baba muzita raKristu (Joh. 14:13–14; 16:23–24). Tinogona zvechokwadi kunamata muzita raKristu kana zvido zvedu zviri zvido zvaKristu (Joh. 15:7; D&Z 46:30). Zvino tinobva takumbira zvinhu zvakanaka zvinogonekwa naMwari kutipa (3 Ni. 18:20). Mimwe minamato inogara isina kupindurwa pamusana pekuti hapana kana painenge ichiratidza chido chaKristu asi zvinobva mukuzvida kwemunhu (Jkb. 4:3; D&Z 46:9). Naizvozvo, kana tikakumbira Mwari zvinhu zvisina kururama, zvinotipindukira (D&Z 88:65).